Hove

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Scsco u0.gif

Shoko rokuti hove (fish in English) rinoreva mhuka dzinorarama mumvura dzisina makumbo uye dzinorarma mumvura chete dzisingabude kunze kwemvura.

Mhando dzehove dziriko dzakawanda. Mhando idzi dzinosanganisira gwaya, jenya, muramba, zitye, mukunga nedzimwewo. Kune dzinogara murwizi nenyanza mumvura isina munyu, koitawo dzinogara mugungwa kune mvura ine munyu.

Mudungiro, mutungira kana mudururu (Fishing Stringer, or string for carrying fish) chitambo kana cheni inotungirwa hove dzaredzwa kuti dzitakurike. Tambo iyi inopinzwa nemukanwa mehove yobuda nekumativi kunofema nako hove.

Gwezvo kana makwezvo ( Bait to attract fish, mice or birds) apa kureva dyiro rinokwezva hove, shiri kana mbeva. Vatauri veChiManyika vanoti hwambo.

Izwi rokuti bakayau rinobva kuchiPortuguese chinoti bacalhau -dried fish.

Tsika[chinja | edit source]

Tsumo

  • Simba rehove riri mumvura.

Gundikumwe kana mukumbumumwe (l. Sheeplike behaviour - all following leader; 2. Clannish behaviour) apa kureva tsika yokuti boka rose rinoenda kwaenda mutungamiri mukuita nokutsigirana naye - imwe nguva vanhu vasingataire kuti mutungamiri anotadza.