Munyu

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Munyu

Munyu chai kana dzai (salt in English) ndiwo uya watinoshandisa kurunga chokudya mudzimba. Munyu unokohwewa kubva mugungwa; kune dzimwe nzvimbo unocherwa pamugodhi.

Mutomba apa kureva munyu waigadzirwa nekupisa mhando yetsanga inonzi bungwa, mubungwe kana mutsangidze. Mvura yaizodirwa padota racho Kati munyu unyungudike, mvura iya yozokwaikwa. Sheche waive mhando yemunyu weChivanhu.

Mabasa eMunyu[chinja | edit source]

  • Kurunga chekudya
  • Kuchengetedza chikafu chinenge chawomeswa zvikurusei nyama.
  • Kunyungudutsa mazaya echando kunyika dzinotonhora dzakaita seRussia neCanada.