Gore

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Gore ndiyo nguva inotorwa nairo Pasirose kuita dendera rimwe ichipoterera zuva iri muboterekwa rayo.

Pakufamba kwegore nyika inopfuura mwaka yakasiyana-siyana inoonekwa: nokushanduka kwemamiriro ekunze; kureba kwenguva iri pakati pakubuda nokuvira kwezuva; chimiro chemiti nebundo; uye michero inowanikwa panzvimbo. Gore rine misi mazana matatu nemakumi matanhatu nemashanu kana riri makore nje. Kana rasvika gore remucharikwa (leap year) rine mazuva mazana matatu nemakumi matanhatu nematanhatu.

Gore sechikamu chinoshandisiwa kuera nguva[chinja | edit source]

Gore repaCalendar ndiyo nguva iri pakati pemisi miviri ine zita rimwechete paCalendar.

Hafu yegore inokwanisa kutanga January ichipera June kana kutanga July ichipera December.

Gore rinopimwa nedzimwe nzira dzakawanda.

Gore repaCalendar rinoda kuenderana nedendera rePasi parinopoterera zuva. Gore repaCalendar yaGregory (uye Calender yaJulian) rakareba mazuva 365 kana kuti 366 kana riri gore remucharikwa (Leap Year).

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

Shoko rokuti makei rinoshaniswazve kureva gore.

  • Makei anouya zvinoreva gore rinouya.
  • Makei akapera zvinoreva gore rakapera. Vamwe veChiManyika vanoti makanyi.
  • Makodya kana gore rakapinda kureva gore rakapera.
  • Nhaka (this year) apa kureva gore rino.
  • Munofanirwa kurima minda yenyu nhaka, Kati masafe nenzara gore rinouya.

Tsumo[chinja | edit source]

  • Gore harizi pakaza rimwe. The same year can never come again.
  • Gore nderino. There is only one year (like this one).
  • Gore musandu. Every year means a change.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • VaNyungwe vanoti gole kana magole pakuwanda (year) kureva gore.
  • VaDigo vanoti mwaka (season of the heavy rains) kureva nguva yekunaya kwakanyanya.
  • Izwi rokuti chaka kana vyaka (year) rinotaurwa mururimi rweMaconde.
  • VaYao neVaChewa vanoti chaka (year) kureva gore.
  • Mururimi rweLozi vanoti silimo (year) kureva gore.
  • Izwi rokuti mwaka (year) rinotaurwa mururimi rweLunda kuZambia neMaconde kuMozambique.
  • Mururimi rweKihaya kuTanzania neLuganda kuUganda vanoti omwaaka kana omwaga (year) kureva gore.
  • Mururimi rweLuganda kuUganda vanoti omwaaka (year) kureva gore.
  • Mururimi rweYao vanoti namiyaka (this year).
  • Mururimi rweFwe vanoti cirimo (year) kureva gore.