Mwari

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Mwari izita rinoshandiswa kutaura uyo akasika nyika nezvose zviri mairi uye chadenga nezvose zviri muchadenga. Iye Mwari ndiye akasika zvose zvinoonekwa pamwe nezvisingaonekwe. Vanhu vazhinji vanotenda kuti kuna Mwari. Hakuna munhu akamboona Mwari saka hakuna anoziva kuti chimiro chake chakaita sei. Marongerwo nemaitirwo akafanirwa kuita hukama pakati paMwari nevanhu zvinotsanangurwa zvakanakisa pamitemo gumi yaMwari.

Kuna Mwari mumwechete, musiki wezvese zvakasikwa, wakarurama zvisina magumo, ane hupenyu husingaperi, achizviratidza muhutatu; Mwari Baba, Mwari Mwanakomana, neMweya Mutsvene.


Zvinotendwa nemaKristu[chinja | edit source]

  • Mwari mweya hakuna munhu akamboona chimiro chaMwari.
  • Mwari haana mavambo, Mwari haana magumo.
  • Jesu akazvarwa nemhandara yainzi Maria, uye Jesu mwana waMwari akazvarwa nesimba raMwari kwete remunhurume nemukadzi.
  • Jesu akafa akamuka nezuva retatu.
  • Jesu akakwira kudenga uko agere kurudyi kwechigaro choushe chaMwari.
  • Mwari vakatumira Mweya Mutsvene wavo kune vanotenda, kuti Mweya wavo udzidzise vanotenda Shoko ravo, nokuvarangaridza shoko ravo.


Mazita aMwari[chinja | edit source]

Mwari vane mazita anosanganisira:

  • Musiki weDenga naPasi;
  • Mwari Samasimba;
  • Mwari weHondo;
  • Mwari Vanopa;
  • Mwari Vanorapa;
  • Wokutanga neWekupedzesera.
  • Mwari Wenyasha
  • Musiki
  • Samasimba

Mamwe Mazwi[chinja | edit source]

Kususukidza (to give up, to yield).