Mugodhi
From Wikipedia
Mugodhi (Mine in English) imhando yehushangazhi hunochera matombo akakosha kubva muvhu, nokukorora simbi kubuda mumatombo anenge acherwa. Matombo aya anogona kunge aine simbi dzakakosha kana kuti achishandiswa mune mamwe mabasa anowanikwa muhushangazhi.
- Munyika yeZimbabwe mune migodhi inochera simbi dzakakosha dzinoti:ndarama; platiunum; chrome uye lithium.
- Kunoitawo migodhi inochera mamwe matombo asiri esimbi anoti: ngoda; limestone; magnesium uye silicates.
- Matombo asina simbi yakakosha anodanwa kunzi mambara - (waste rock in English).
Mamwe Mazwi[chinja | edit source]
- Kufashukira (Overflow).
- Makina (any explosives e.g. dynamite) apa kureva zvinoputika zvinoshandiswa kutsemura matombo kana kuputitsa zvimwewo zvinhu.
- Gowasimbi (Metallurgy) izwi riri kushandiswa pazvinyorwa zvino kuturikira chinonzi metallurgy kuEnglish, zvichireva mabasa nehunyanzvi hwekukohwa simbi mubva mumatombo anocherwa pamugodhi.